Jeremiah 18

Paimba yoMuumbi weHari

1Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, 2“Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” 3Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. 4Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.

5Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 6“Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri. 7Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe, 8uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera. 9Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe uye zvisimwe, 10uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira.

11“Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’ 12Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ”

13Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“Bvunzai pakati pevedzimwe ndudzi kuti:
Ndiani akambonzwa chimwe chinhu chakadai?
Chinhu chakaipa kwazvo chakaitwa
neMhandara Israeri.
14Ko, chando cheRebhanoni
chinomboshayikwawo pamawere ematombo here?
Ko, mvura yaro inotonhorera inoyerera ichibva kure
inombomira kuyerera here?
15Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa;
vanopisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvisina maturo,
izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo,
uye napamakwara ekare kare.
Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka
nomumigwagwa isina kugadzirwa.
16Nyika yavo ichaitwa dongo,
chiseko chisingaperi;
vose vanopfuura nemo vachashamiswa
uye vachadzungudza misoro yavo.
17Semhepo inobva kumabvazuva,
ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo;
ndichavaratidza musana wangu kwete uso hwangu,
pazuva renjodzi yavo.”
18Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.”

19Haiwa Jehovha ndinzweiwo;
inzwai zvinorehwa navapomeri vangu!
20Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here?
Kunyange zvakadaro vakandicherera gomba.
Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu
ndichivareverera,
kuti mudzore kutsamwa kwenyu kwavari;
21Saka sundirai vana vavo kunzara;
vaisei kusimba romunondo.
Vakadzi vavo ngavarege kuva navana uye ngavave chirikadzi;
varume vavo ngavaurayiwe,
majaya avo ngaaurayiwe nomunondo muhondo.
22Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo,
pamunouyisa vapambi pamusoro pavo pakarepo,
nokuti vakachera hunza kuti vandibate,
uye vakavanzira tsoka dzangu misungo.
23Asi munoziva, imi Jehovha,
rangano dzavo dzose dzokundiuraya.
Musavakanganwira mhaka dzavo
kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu.
Ngavawisirwe pasi pamberi penyu,
muvarove panguva yokutsamwa kwenyu.
Copyright information for SnaBDSC